Linda Gabriel
TSAMBA
Rakanga rakanyatso cheka nyika
Richirova panhongonya
Ndigere zvangu muberevere remba
Ndichidzvuta tumahewu twainge twakanyatsovira
Apo ndakagamuchira hamvuropu yekaki
Yaiva yakatakura nwadi yaibva kune wangu
Asikana yakanga yakanyorwa
Waibvuma kuti chikomana chakanga chatora nguva yacho
Changu chikomana tsamba chainyora
Pakudziverenga ndaidonhodza misodzi yerudo
Moyo waitutuma nemufaro,ndaitadza kuziva zvekuita
Tsamba dzake dzaifadza uye dzaidakadza
Zvino iyi itsamba yakasiyana nadzimwe dzese
Hongu yakanyorwa nerunyoro rwakanaka, runoyevedza
Asi zvairi zvikukutu, zvinotyisa, zvinoomesa mate mukanwa
Idi here tsamba ino iri kubva kunewe chido chemoyo
Pandakaziva kuti ndeyako ndakanyemwerera
Mazino ndokuva pachena ndichiti nderwedu rwamazuva ese
Izvo kwete tsamba yako ipfumo chairo
Zvawakanyora ndaisa zvitarisira.kwete kubva kunewe
Tsamba dzako dzitapira asi iyi imhiripiri chaiyo
Misodzi yarudo nhasi yava dziva remarwadzo
Chokwadi here wairevesa pawa kanyora tsamba ino
Zvinoita sendiri kurota asi siginecha ndeyako mbune
Tsamba yandisinga kanganwe
Tsamba yapodza rudo rwedu
Tsamba yakandisiya moyo wava mvemve Tsamba isina unhu
Iwe ndiwe wakagona kunyora tsamba