Ndipo patakamuviga pano

(kumagamba ese akaradzikwa mumasango)

Ndipo patakamuviga pano,
  Pano parukakangarabwe, muchivavani,
     Pakati pezvimatombo nemiunga,
        Kunge chiya chikara chesango,
          Chisina achazocheuka mangwana.

Ndipo patakamuviga pano,
  Pasure pekunge adauka pamberi pedu,
     Achipika, uku rake gidi richipururudza,
       Akananga kuvhurira vamwe tese nzira,
          Kuti tiwane kubuda parumananzombe.

Ndipo patakamuviga pano,
  Pasure pekunge adamburwa nemhandu,
     Chake chifuva changova mamvemve,
        Iro ivhu ramedza ropa, razvimbirwa,
           Yeduwo misodzi ranwa, raguta.

Ndipo patakamuviga pano,
  Amboswera, akavata, katatu,
     Achibinyauka sedora riri muchainga,
        Nyota achipomhodza nemisodzi,
          Nzara achitapudza nemututu.

Ndipo patakamuviga pano,
  Mazuva matatu ekupedzisira tashushana,
     Achiti chindisiyai ndirote zvangu,
       Imi muende mberi neChimurenga,
         Isu tichiti, kwete, tiri tose muhondo.

Ndipo patakamuviga pano,
  Tose tisingazivi kana chimwe chake:
      Zita, mhuri, mutupo kana dzinza,
         Zvose kwatiri ichingova mhindo.
           Taingoziva: Uyu mwana weivhu!

Ndipo patakamuviga pano,
  Pasina ngoma kana mhururu,
    Kana muteuro kana detembo,
      Kana chitombo kana chizhuzhu,
        Kana urongwa hwekuzorova guva.

Ndipo patakamuviga pano,
  Vake amai vanongova murima,
     Vake baba hameno vakarotswa,
        Rake dzinza kuti richazochenura?
          Chinoziva chete ivhu: mwana rakamedza.

Ndipo paari, Komuredhi Kunozvarwa Vamwe,
  Gamba rakaita muchato negidi,
    Mhare yakachererwa imba nebhayoneti,
       Ndokufukidzwa ivhu nemagaro epfuti,
          Ndokuchemwa nezvipuka zvesango.

I-i-i-i-h! Varume!
  Ndipo paari pano!
       Ndipo ipo pano!

© Chirikuré Chirikuré
From: Rukuvhute
Harare: College Press Publishers,
ISBN: 0 86925 973 3
Audio production: 2005, M.Mechner / Literaturwerkstatt Berlin

تحویل بار ، گرفتن بار

لایحه ی ٨؛   وقتی که بار به دست خریدار برسد؛ تحویل داده شده است. اگر بالای سر صندوق این کار انجام شود، سعی شود حتی الامکان هر دو طرف معامله همزمان و با حواس جمعی، کالا را دردست بگیرند قبل از آنکه فروشنده جنس مورد نظر را رها کند، مدتی را   که جنس در هوا تاب می خورد  به حداقل ممکن برسانند، در راه دور شدن از فروشنده، در راه رسیدن به خریدار؛ برای آنکه حتی الامکان اجتناب کنند از مسائلی که پیش می آید وقتی که کالا خراب می شود، از میان انگشتان سر می خورد، فرار می کند یا به شکل دیگری از دست می رود پس از آن که فروشنده دستش را رها کرد؛ قبل از آنکه خریدار جنس را قاپ پزند.

Translation to Persian by Sohrab Rahimi and Azita Ghahreman