Linda Gabriel
RWANGU RUFU
Rwangu rufu nderwangu ndega
Rwunenge rwuri rwangu, ndicharutamba ndega
Parwangu vatongi vanenge vachitonga
Madzimai madhuku nemazambia vanenge vakasunga
Misodzi yavazhinji ichange ichi chururuka
Vamwe vachazvirovera pasi vachiumburuka
Vamwe pangoma vachasimuka vachisvetuka
Asi vamwe vachanyadziswa pamwe nekufumuka
Parwangu haikona kuimba zvimbo
Itai zvekushaura nekubvumira nhetembo
Ini ndinenge ndava payangu ndega nzvimbo
Mozoisaka paguva pangu matombo
Parwangu vacheche kwete
Vakuru, majaya nemhandara chete
Pakugova musaita tsvete
Moziva zvamafambira chete
Rwangu achava mazvionera pamhuno sefodya
Muchaita sarura ude pamutambo wekudya
Mhamba muchabvunza mutupo
Imi mobva makanganwa yenyu mitupo
Sahwira achaita zvake zvidavado
Apo munenge mamupa nguva nedariro
Achaita zvinonyevenutsa dzenyu ndangariro
Ipapo mubva mandichema netariro
Vana vangu zvavanenge vava nherera, chengetai
Ini amai vavo ndinenge ndakakutarisai
Iye nyadenga acha kutarisirai
Pamwe mangwana vachozokuponesai
Parwangu njake njake bodo
Mugozoshanda pamwe chete satsuro nagudo
Zvose muumwe nekubatana
Misoro pamwe kwete kupokana
Bhokisi rova remhando yamunokwanisa
Mondipfekedza rwoke rangu randinokoshesa
Mozoisa kumakumbo dzangu shangu nhema
Mosazokananwa rangu
jasi dema
Muparadzane murugare
Modzekera kwenyu kurugare
Makwira enyu mabhazi anoenda Harare